News

News

General

General

05 Nov, 2019 | Posted By: staff reporter
Akanwa Maragado Newemakonzo Arambwa

MUKOMANA wemuHarare akadhonzera aimbove musikana wake kudare reHarare Civil Court achiti ari kuramba kurambwa uye akatombosvika pakunwa muchetura achida kuzviuraya.

Brian Tsere akamhan’arira Jane Sakanda kudare iri achida gwaro redziviriro.

Mutongi Trevor Nyatsanza akapa Tsere gwaro redziviriro. Tsere anoti haachada nezvaSakanda asi musikana uyu ari kumumanikidza kuti varambe vachidanana.

“Mambo wangu, uyu aimbove musikana wangu asi takasiyana nomusi wa4 Gunyana gore rino. Chandafambira kuno ndinoda dare rindibatsire mundipewo gwaro iro rinondidzivirira kwaari. Musikana uyu ari kuramba kurambwa,” anodaro.

Tsere anoti Sakanda akauya kumba kwaari kugara ndokunwa mushonga achiti hazviite kuti varambane.

“Akauya kumba kwandinogara achiti handisi kuda kubva pano zvekutozosvika pakunwa mushonga uye akandityisidzira nekundimanikidza kuti ndimurapise.
“Ndave kutoshaya rugare ini mambo. Hama dzake dzakange dzave kundityisidzirawo kuti ndikasamurapisa akasapora vaizotevera kwose kwandinoenda, kusanganisira kwandinopindira svondo,” anodaro Tsere.

Sakanda haana kuuya kudare kuti azopewo divi rake panyaya iyi.


ABOUT AUTHOR

staff reporter
staff reporter
Staff Reporter for Zimbolivenews.com & Zimbolivetv.vom



FOLLOW US