News

News

General

General

03 Nov, 2019 | Posted By: staff reporter
Chengetai Mapere Ne Nyoka Zvinobatsira Hupenyu

BAZI reZimbabwe National Parks and Wildlife Management Authority rinoti rakatanga kupa marezinesi kune vanhu vanoda kuita bhizimusi rekuchengeta mhuka dzinosanganisira mapere nenyoka.

Anotaura akamirira bazi iri, VaTinashe Farawo, vanoti vagara vachipa marezinesi ekuchengeta dzimwe mhuka dzesango.

“Isu sebazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka dzesango, tagara tichipa marezinesi ekuti vanhu vachengete mhuka dzavanoda uye dzinopindirana nenzvimbo dzavagere.

“Kuchengeta mapere, makava, nyoka kana zvidembo nedzimwe mhuka dzesango hausi huroyi sekufunga kwatinoita. Isu tiri kuti huyai tikupei matsamba atinoti marezinesi ekuchengeta mhuka idzi muite mari nemapere enyu. Kune vakawanda vekune dzimwe nyika vari kuita mari nemapere ayo atinongoti nangananga nawo tichiti ndeevaroyi,” vanodaro VaFarawo.

Vanoenderera mberi vachiti, “Munhu akauya kwatiri tikawirirana, tinomupa rezinesi rake rekupfuya mhuka dzaanoda angava mapere kana nyoka. Tinoongorora nzvimbo yaanogara nezvinodiwa kugadziriswa nematanga anodiwa kana makeji nekudya kunofanirwa kupihwa mhuka idzi.” VaFarawo vanoti bhizimisi rekuchengeta mhuka rinosimudzirawo chikamu chezvekushanyirwa kwenyika apo vashanyi vanobva kunze vanenge vachibhadhara mari kuti vaone mhuka idzi.

“Mukachengeta nyoka dzenyu kana iwo mapere, zvidembo, makarwe, shiri semadendera nezvimwe, vashanyi vanouya muno. Muzvidembo tine zvinodiwa izvo zvinogadziriswa zvinhu zvakasiyana, munyoka tinoda huturu hwadzo hunogadziriswa mishonga yakasiyana inorapa, mumakarwe mune zvinodiwawo uye imo mumapere mune zvakasiyana zvinofarirwawo. Saka ngatiitei mari nemhuka dzedu kwete kuti ndezvevaroyi,” vanodaro


ABOUT AUTHOR

staff reporter
staff reporter
Staff Reporter for Zimbolivenews.com & Zimbolivetv.vom



FOLLOW US