News

News

General

General

22 Apr, 2020 | Posted By: staff reporter
Mashura Muroora Kuzora Tsvina Yake Pachingwa

Kwayedza Zim Newspaper........Muroora Akazora Dhodhi PaChingwa

Imwe mhuri mumusha we Warren Park yakashinhirwa nemuroora mutsva uyo akazora tsvina yake pachingwa.
Venencia Muchakaura ane makore 22 okuberekwa akatizira Rodreck Rimayi (ane makore 26) musi wa 10 mwedzi uno.Akatambirwa zvakanaka asi akazoita mashiripiti aya musi wa 19 mwedzi wakare uno.
Muchakaura anonzi akamuka ndokuita basa somuroora sezvaaisingoita kubvira atizire.
Vamwene vake Mai Beaula Rimayi avo vane makore 46 okuberekwa vakarondedzera vachiti, "Akauya pano achiti ane nhumbu yemwanakomana wangu mukuru tikamutambira.Taigarisana zvakanaka nemwenga.Takazoti tabikirwa putugadzike tikanzwa chingwa chichinhuhwa tsvina.Patakamubvunzurudza akati aive aisa dovi."
Muchakaura haana kuramba mhaka yake.
"Ichokwadi ndakazviita.Tete vangu vakandiperekedza pano vakati pane mhiko dzinoitwa kuti imba isimbe," akadaro mwenga.
Kutaura kuno akatotandwa pamba apa.
Rodreck Rimayi anoti haachakwanisa kugara nemunhu anoshereketa kudai.
"Ndakarutsa atidyisa tsvina yake.Mwana ndinochengeta kana achinge azvarwa," akadaro Rodreck.
Baba vake Va John Rimayi vachirikungorutsa nanhasi sezvo mwoyo wavo uchakasviba.


ABOUT AUTHOR

staff reporter
staff reporter
Staff Reporter for Zimbolivenews.com & Zimbolivetv.vom



FOLLOW US