Baba Sean Vapinda MuDrama! ?
Zvinoshamisa zvaitika apo Baba Sean, murume ane mukurumbira munharaunda, vakafonera chikomba chemukadzi wavo vachida kumuti nyatso siyana naye. Zvinonzi murume uyu akataura nehasha asi zvakamushamisa ndezvekuti chikomba chacho chakangoseka chichiti, “Baba, kana muri varume huyai muone kuti ndiri ndiyani!”
Izvozvo zvakaita kuti Baba Sean vatange kuvhunduka uye vatye zvekuti vakabva vadzima foni. Nyaya iyi yava kuzunguza vanhu pasocial media, vamwe vachiti Baba Sean vakaomeswa moyo, vamwe vachiti hapana anofanirwa kufonera munhu ari kukutorera mukadzi, nekuti zvinopedza ruremekedzo.