Update panyaya ya Tawanda Marumahoko:
Mapurisa (ZRP) arikuti Tawanda Marumahoko, uyo aipomerwa nemhosva yekubatsirana nevamwe vake kuti vamwe kuti vabe US$10,000, akaedza kutiza panguva yekunoratidza mapurisa kuti mhaka yacho yakaparwa sei (indications) ndokurohwa neboka revanhu (mob), ndokubva azofira muchipatara.
Mudzimai wake anopokana nazvo, achiti murume wake akarohwa zvisingaite paPolice Station, zvekuti akanga asisina simba rekuenda kunoratidza mapurisa kwacho kwakaparwa mhaka yacho. Anoti nyaya yemapurisa ndeyekuvhara chokwadi chekutambudzwa kwakakonzera rufu rwa Tawanda Marumahoko. Veku mhuri yaTawanda varikuti varikuda ongororo yakazvimiririra.(independent investigations)