Sunday, July 20

Daniel Mwana Obaiwa Achifamba Kubva Kuchikoro In UK London

๐€๐ค๐š๐›๐š๐ข๐ฐ๐š ๐š๐œ๐ก๐ข๐ณ๐ฏ๐š๐Ÿ๐š๐ฆ๐›๐ข๐ซ๐š ๐ค๐ฎ๐ž๐ง๐๐š ๐ค๐ฎ๐œ๐ก๐ข๐ค๐จ๐ซ๐จ, ๐›๐š๐›๐š ๐ฏ๐š๐ค๐ž ๐ฏ๐จ๐ฎ๐๐ณ๐š ๐ฏ๐š๐ญ๐จ๐ซ๐ข ๐ฏ๐ž๐ง๐ก๐š๐ฎ ๐ณ๐ฏ๐š๐ค๐š๐ข๐ญ๐š ๐ฆ๐ฎ๐ฌ๐ข ๐ฐ๐š๐œ๐ก๐จ

 

Mukomana we chidiki anonzi Daniel Anjorin aigara kuLondon nevabereki vake aigona zvisingaiite kuchikoro. Vabereki vake vaiziva kuti ramangwana rake ranga rakajeka zvikuru. Sezvinei musiwa 30 April gore rakapera, Daniel akamuka semazuva ose achienda kuchikoro, asi musi uyu akasangana na Monzo uyo aifamba nezibanga zihombe remaSamurai serinobuda mumafirimu. Monzo akacheka Daniel kubva kumuromo kusvika kuhuro. Chinonynyorwadza ndechekuti Daniel ainge asina kumbodenha kana kutaura naMonzo. Aingove munhu asinawo mhosva aizvifambira. Baba vake vanotsanangura zvizere 

 

 

 

 

 

“Handina kuziva kuti aiva Daniel pakutanga, asi pandakasvika pedyo, ndakaziva hembe dzemutambo dzechikoro uye ndikaona chiso chake. Ainge akarara muturikirwo reropa uye akange ane ronda rakadzika pachiso, richibva parutivi rwemukanwa richienda kumusana kweutsinga. Ainge asina kana kufamba. Ndakabva ndaziva ipapo kuti afa, asi ndakawira pasi, ndichidaidzira zita rake uye ndakamubata musoro.”

 

 

 

 

Amai vaDaniel vakazosvika panzvimbo vakashungurudzika zvakanyanya. 

Mapurisa akauya achida kusunga Monzo vakanetseka mumwe mupurisa akatobaiwa nebanga asi akararama.

Svondo rakapera Monzo akapihwa 40 years dzekugara mujeri nekuuraya kwaakaita Daniel.

  • Share: