🔥 Pfooo, Seke Dema kune madzibaba vakaenda kunorara kumasowe husiku, mombe yakachema mudanga mombe idzi dzaive mbiri. Pamusha paive namai nemwanasikana vakamuka kutarisa mombe vakaona kwasara one ndobva vatevera kumasowe vakaudza baba , baba vakaudzawo vamwe pamasowe vakabatana nanamadzibaba vepamasowe kutevera matsimba emombe netsoka mbiri dzaitunha
mombe vakatevera kubva masabhuku Majaya vakafamba zvemakiromita anodarika mashanu. Vakafamba kusvika vasvika pakapinda tsoka mumba vavakazowana mune nyama munzvimbo yekwasabhuku Mubobo ,asi maive musina makumbo musoro zvemukati ne dehwe. Vakaenda kurwizi vakawana
musoro nemakumbo vakashaya dehwe nezvemukati ,pamba apa panogara mbuya vane makore 91 nemukomana anemakore 37 ,saka vakadana mapurisa vakatora mukomana uyu ,asi mukomana uyu akati ndatoshamisika ndamuka ndichiona mumba munenyama ,asi sekuru vangu neshamwari yavo ndivo vanoita izvi. Vanhu vakaenda kudzimba dzevanhu ava mudzimai weumwe akati vakashanya nezuro asi umwe mwana aitotsvaira akati ndavaona kuseni kuno
,saka nyama yakapiwa muridzi asi yaive isina kukwana ,saka nyaya yakaenda kumatare edzimhosva kaviri asi mukomana akabuda arikuenda kumatare edzimhosva achibva kumba ,nzvimbo iyi yakamboita nguva yaiti vhiki regarega kunobiwa mombe
TUNE IN FOR MORE 🔥🔥🔥