Saturday, May 17

Kuna Tete Tilda Moyo na Sekuru Banda

Ini Mai vaMasimba, ndanyora tsamba iyi ndiri kushatirwa nehana yangu yose, ndava nemakore mashanu ndichiona mwanangu achinetseka, achirasika, uye ave kugara mumigwagwa yeAustralia sokunge haana vabereki! Munonyatsoziva zvamamakaita. Imi Tilda, nekunyepa kwenyu muchiti muri kubatsira vanhu, asi muchivashandira kushandira mweya yetsvina. Sekuru Banda imi, nemhepo dzenyu dzisina tsitsi, makabata mwanangu Masimba muchimurova nemashavi kuti agare achitambura.

Munofunga Mwari haasi kuona here? Makaita kuti mwanangu arege kuziva kwaari, ave kugara semupengo mumigwagwa, achihwandira kubva kuvamwe vake, achipihwa zvokudya nemupurisa nemunhu wese ane moyo unonzwa tsitsi. Makamurova sei mwana wevanhu? Ko chii chandakakutadzirai? Ko chii chakakutadzirai naMasimba?

Ini Mai vake handichanyara, handichanyararira. Ndotya Mwari kwete vanhu vakaita seni imi. Nhasi ndava kutaura pachena: Bvisai mushonga wamakaisa pamwana wangu! Bvisai zvamakaita! Kana musingadi kusiya mwana wangu, Mwari wekutonga ariko, uye kutonga kwake hakunonoke.

Tilda Moyo, uri kuita kunge uri mutsaona, asi une mwoyo wakasviba kupfuura usiku. Makambosvika pamwoyo here? Unonzwa here kusuruvara kwemubereki anotarisa mwana wake achiparara nehasha dzausingazive kwaadzinobva?

Ndicharamba ndichinyora, ndichitaura, ndichinamata, uye ndichitsvaka rubatsiro kusvikira mashavi enyu abviswa kuna Masimba. Imi muri kutamba nehupenyu hwevanhu sekunge mutumwa waSatani. Asi ndinokuvimbisai: Rinonyenga rinohwarara, rinokwehwa nemvura rinozvara mombe.

Siyana naMasimba! Siyana naye mazuvano, kana kuti matambudziko enyu achanyatsoonekwa!

Mai vaMasimba

  • Share: