What a sad story,nyika iri kurwadza hama dzangu??Kune nyaya inosuwisa yakaitika mubhuku raManyanga kwaChief Jerera kuZaka uko, murume ari pasi apa anonsi Simba nemudzimai wake nemwana, zvinonzi simba akatumira mukadzi wake mari musi weFriday kuti vapedzise imba yavo
yavanga vachivaka ikoko kuZaka, mukadzi akanotora mari paMukuru ndokubva atozivisa bhiridha Mafios kuti mozouya movaka mari yavapo, bhiridha akamukira kumba kwamai ava sezvo muri uyu anga achigara kuSA, bhiridha anonzi akasvika pamba akaona mwana,mwana ndiye akati mama vakarara ava havasi kumuka bhiridha akati haa regai timirire pamwe vanomuka ndokutoona kuti inga tike
yafamba akatimbo tryer kugogodza asi hapana akadaira mwana achingoti havasi kumuka mama,ndipo paakati regai tipinde ndokuona mukadzi uyu achibuda ropa mukanwa zvinonzi vakarohwa nezvinhu, ndipo vakavatakura kuti vamhanye navo kuchipitara ndokubva ashaya ari muroad kuenda kuhospital, akazoendeswa ku mortuary sekunzwa kwandaita zvinonzi mortuary yaramba kuchengeta hama iyi nekuda kwe conditon anga achinzi anga achibuda ropa rakawanda ndokubva vaenda naye kumba,husiku hwapfuura vanhu vari pakati pekuchema zvinonzi pane munhu anga achiita sekunge ari kumanifester or ari sutswa ndokubva atanga kuti ndikuda chiropa ndisiirei chiropa inga makati tuma nyama tikauya nayo wani tikuda chiropa, ayo ari kunzi mashura mudunhu, chiitiko ichi chasiya vanhu vachirwadziwa nekuti amai ava vanga vakasimba vanhu vakatobva kuvaona zvonzi vafa hazvisi kugamuchirika, vofira devolopment here, zviri kunzi pataurwa zita ramai vemuraini vari kunzi vanga vatuma
zvidhoma kuuya nenyama, vanhu vanoto vaziva nembiri yekuroya ende kaa varoyi munofa rinhi vana vevanhu vabudirire vaitewo zvipenyu, ndarwadziwa hangu ?? ndinoti zorora murugate makoti, zvikurwadza?. Ndiyo nyaya yaitika kuZaka, anogona kuradzikwa mangwana kana murume wake asvika. Hupenyu mutoro