Saturday, July 27

Mashura Passion Java Otsiurwa Na Tete Mildred Iwe Itira Church KuZimbabwe Ka Kune Varombo And Wave Kutokundwa Kupfeka Suit Na Mazepe Iwe Uri Papa

Tsamba kumuzukuru Java the Gafa

Dear mhofu

Makadiiko ikoko ku America nemhuri.kuno haiwa kubvira kusiya kwawakatiita paye pawakavhura church pachikomo che Nyabuwe hatina kuzonzwa nezvako ko asi hausisina runhare here.lni ndinokuonera pa fone ya hendi teacher hanzi wakuprofita zvemhando yepamusoro.

 

 

 

 

Ndakaona vanhu vesangano vachiti dhii nemagotsi ko wadii kumbodzokawo kumusha wopedzisa church yawakatanga asi haudi kunamata nevarombo.Ndimi dzako unenge wakutaura nevasikadzimu vevahera here aaaa mwana uyu..

 

 

 

 

 

Nhai mhofu ko makupfeka masiketi edu ataipfeka nguva yeWainera neburuka mumango yaa ndakati aaaa inga Mufundisi varikuchena watadza kupfekawo suit inga unofitwa ungakundwe naMr Chishambwe Mazepe kamupfanha anofitwa nesutu kuita baba chaivo.

 

 

 

 

 

Ko chitumirawo tete kamari kekugayisa wanemari iwe.Kana wakuuya chaya runhare tifanokubatira mbeva waida mbevaka iwe .Mombe yako yakabereka ma twins svikawo kumusha.Yuhwiii pepa rangu raita diki

TeteMildred

  • Share: