Tadzokazve mhuri yeZimbabwe tinotenda 👏 nerutsigiro rwenyu.Amai vemwana ndataura navo vapenyu havana kufa asi mwana ndiye akangotanga misikanzwa yekutiza pamba.Ingoriwo misikanzwa yemateenagers zvekuti mai vakafa kunyepa hake kuti anzwirwe tsitsi 😁😁
Akatiza musi weFriday akawanikwa nezuro Sat kwakutizazve.
Mwana uyu anonzi Shaniqua Muriri ane 16yrs
Atori mwana wechikoro anodzidza achigara namai vake nevanin'ina vake saka amai vake vari kuuya kuzomutora mangwana.
Ndataura zvakare nagogo vake vakataura zvimwe chete kuti mwana aitotsvagiwa anga akatiza kumba 👏Tinotenda nerutsigiro rwenyu nguva dzese.Mwana uyu akazorara ave mumaoko amai vake .
At 23:00 vakauya muJoburg CBD vakamutora saka ingoriwo misikanzwa yemwana ari kukura amai vake havana kufa sekutiudza kwaanga aita 👏
Amai naGogo vemwana vese vari kuda kukutendai nezvamakaita mwana akakasika kuwanikwa ari mupenyu ❤️❤️❤️#Inbox
Ndauyawo kwamuri mhuri yeZimbabwe,pane mwana wandiinaye pano izvezvi aunzwa nemasecurity guard pano pabasa pandiri muJohanesburg CBD nekuti vanzwa achitaura Shona.
Mwana uyu anonzi Shaniqua Muriri ane 16yrs anoti anga achigara kuOrange farm kunova ndiko kwaaigara namai vake vakabva naye kuZimbabwe muna 2022.Amai vake vakazoshaya vakavigwa muno uye hapana hama yakauya kana kuziva nezverufu,amai vemwana uyu vainzi Nyasha Kanenungo uye hasi kuziva kumusha kwavo.
Baba vake vanonzi Givemore Muriri uye gogo vake vakazvara baba vanonzi Shumirai Muriri vanodzidzisa paSt Mathias Tsonzo uye kumusha vanobva kuDangamvura.
Kana pane vanozivawo dzimwe hama dzake tibatsireiwo.Kubva zvakashaya amai vake mwana uyu anga achigara nemaSotho achiita upenyu hwekuti pano agara.Izvezvi ari kuti anga aenda kuVereeniging kwaanga achifambira basa azopihwa R50 neumwe munhu anzwa tsitsi ndiyo yaazouya nayo muno muJoburg.Masecurity amuonawo vakauya naye pandiri.
Batsiraiwo mwana awane hama dzake haana kana kwekuenda muno munyika yevatorwa amai vakafa pasina kana hama yavakamuratidza.