Sunday, May 05

Nhamo Yakaoma Murume Mukuru Seh Calaz Kubowa Kuchema Kuna Sir Wicknell Kuti Ndiriwe ZanuPF Handina Kukutukai Nditengereyiwo Motor

Sir Wicknell ndauya ne mhinduro yenyu !My name is Tawanda Mumanyi zita randakapiwa ndichipinda pa nyika yakanaka ye Zimbabwe nekukura ndakazozvipa ranguwo Seh Calaz kusiri kuti ndakashora randakapiwa nevabereki asi kuti ndizvipe identity imwe inoenderana ne basa rangu .

 

 

 

Ndinoziva like any other artists upcoming or renowned unoramba ichiita vanhu vanokufarira vashoma kana vakawanda zvekuti vanhu ivavo vanosvika panguva yekusaziva kuti SehCalaz politically ariku side reason yandada kutaura ne nyaya iyi ndeyekuti kune vanhu veruzhinji vakutofungidzira side risiriro .

 

 

 

Ndinzwisisei kuti handisi kuda kutaura izvi nekuti ndiri kuda kuitirwa zvakanaka asi kuti ndirikuzivisa ruzhinji kuti musafungidzire zvinhu zvamogona kundibvunza .Ndinoziva vamwe vachati Seh Calaz arikungotaura nekuti ada mota BUT the honest truth is inini handina kumbobvira ndaenda ku ZANU PF asi kuti ndakazarirwa mu ZANU PF ndakarerwa ne ZANU PF my late mother was a ZANU PF Provincial member ,saka ndagara ndiriko uyezve ndokwandichiri.

 

 

 

 

Mukaona nhoroondo yangu ndagara ndaiimba ma rally e musangano anosvika kana 100 kubva nguva yava Mugabe up to nhasi , ndakaita masongs akashandiswa for campaining eg Asvotwa Ngarutse and Pasi nemhanduu ,ndagara ndaitorwa ma picture ndakapfeka regalia ye ZANU PF ndisingatye nekuti mumba mangu mu ZANU PF dai maimboziva kuti ndine nguva zhinji dzandaive ndakaomerwa and ndaideedzwa ku ma rally e CCC ndichida kupiwa mari yakawanda asi nekuda kwekuti am loyal to ZANU PF ndairamba asi mari ndichiida .Hakuna rally or function yandati ndamboenda ku CCC cause ndoziva kuti ZANU PF is my home .

 

 

 

 

 

I agree ndakataura kuti kubva ma elections aitwa hakuna chachinja asi honai ka tose toziva kuti generally ma CCC councillors etc ndovakawanda for example mu Harare but chavati vaita chamakaona imimi ndechipi ndozvandaireva asi vanhu vasiri ve bato rangu ZANU PF vanofunga kuti ndiri kunyomba ZANU PF thats not correct .Inga ndakataura about ma developments akuitika sema roads akuitwa na HE ,pazvinhu zvese handisi munhu anoshora chakanaka chinosimudzira nyika yedu nevechidiki.

 

 

 

 

 

 

Kubva nhasi ndati mugare maziva kuti Seh Calaz Tawanda Mumanyi mwana we ZANU PF as shown from the below pics and videos ndichisimbisa musangano wangu .Pandotaura ndotaura ndakamiririra vechidiki mandogara . PAMBERI NE ZANU PF!Pamberi na PRESIDENT His Excellence CDE Emmerson Dambudzo Mnangagwa!Nyika Inovakwa Nevenevayo!

  • Share: