Wednesday, October 01

Press Statement by Baba vaClaudio Blue Mauto

Ndiri kuda kupa mashoko eruzhinji pamusoro penyaya iri kufambiswa nezita remwanangu, Claudio, uyo ari kudzidza kuMasasi Secondary School. Ndakagara pasi nemwana wangu ndikamubvunza kuti chii chakaitika, uye akandiudza pachena kuti zvose zvakaitika ndezvekubvumirana pakati pake nemusikana wake pamwe neshamwari. Hapana akamanikidzwa, vana vaingoita musikanzwa sezvinoitwa nevana vechidiki. Zvichinzi musikana ane makore 17 achizova 18 mwedzi unotevera, mwana wangu Claudio ane 16, zvichiita kuti ave mudiki pane musikana uyu.

Zvisinei, nyaya iyi yakazopararira mushure mekuonekwa kwevhidhiyo pasocial media, izvo zvave kukonzera kugunun’una, kusagadzikana pamwe nekushorwa kusina hwaro. Ini semubereki ndinoda kusimbisa kuti hapana chinhu chisiri pamutemo chakaitika, asi zvakangova zvekuda kuziva uye kutamba kwevana vadiki. Ndiri kukumbira veruzhinji kuti vasamhanye nemashoko asinganyatsojeka uye vasashora mwana asingasati ave nemakore akazara ekuziva zvinorema zvehupenyu. Tinovimba chikoro, mhuri pamwe nevakuru vachashanda pamwe chete kuti nyaya iyi isanyanya kukanganisa ramangwana revana.

 

  • Share: