Wednesday, December 24

Zvinonzi Na Tytie the Comedian, Mama Vee Ari Kufamba Achiudza Companies No to work with him

Pa social media pane kusawirirana kuri kutaurwa nevazhinji, zvinonzi Mama Vee ari kufamba achiyambira mamwe makambani kuti vasashande na Tytie, achiti akambomakwa — mashoko aya ari kungotenderera online uye haasati asimbiswa. Zvimwewo zvinonzi Mama Vee akangoita skit chete, chipo chikaenda, vanhu voti pane kunetsana pamusoro pezvipo uye dzimwe nyaya dziri kungonzi “nemishonga,” zvese izvi zvichinzi manyepo kana ma-claims asina humbowo. Nyaya iyi yakazotowedzera kupisa apo zvinonzi akambonamatira kuna Gilbert Nyamanhindi kusvika pakazomuka kusawirirana, vozobuda neimwe video achizviti victim achitaura mashoko ekuti “hura usati warora”. Pamusoro pezvo, vanhu vari kungotaura kuti vamwe vehama dzake, kusanganisira ana Chihwa Cheguhune, vari kupomerwawo kusagadzikana kwemabasa — asi izvi zvese zvinoramba zviri mashoko anongotaurwa. Pakupedzisira, vazhinji vari kukurudzira runyararo: musarwirana mabasa, shandidzanai mushe, nekuti drama rinopera asi reputation inoramba iripo. ??

 

  • Share: