ðð¨ð²ðŸð«ð¢ðžð§ð ð²ðšðšð¦ðšð¢ ð²ðšð¤ðšð«ð¨ð¯ðš ð¦ð°ðšð§ðš ðšð§ðž ð ð¨ð«ðž ð¤ð®ð¬ð¯ð¢ð¤ðš ðšðŸðš
Deric Young, ane makore 25, ð°ðžð¤ð®ð“ðšð¥ð¥ðšð¡ðšð¬ð¬ðžðž ð¤ð®ð§ð²ð¢ð¤ðš ð²ðž ð€ð¦ðžð«ð¢ðœðš akasungwa neChipiri achipomerwa mhosva dzekuuraya pamwe nekushungurudza mwana zvakaipisisa mushure mekufa kwemwana musikana ane gore rimwe chete.
Mapurisa akadaidzwa neMuvhuro kuimba iri muSaxon Street mushure mekunge vanhu vamhan’ara kuti mwana haasi kufema. Kunyange zvazvo vakaedza kumuponesa, mwana akazoshaya paakasvika kuchipatara. Kuongorora kwemapurisa kwakakurumidza kuratidza kuti pane chakaipa chakaitika.
Zvakabuda mupepanhau rekuSungwa (docket) zvinoratidza kuti Young pakutanga akaramba mhosva asi akazobvuma kuti akarova mwana kakawanda. Chisungo chekuvhiya (post mortem) chakaratidza kuti mwana akakuvara zvakanyanya mumusoro, zvinonzi zvakakonzerwa nekurohwa nezvibhakera.
Dereck akange asiiwa naamai vemwana achichengeta mwana uyu husiku.
Pamusana pekunge Young ambotaura kuti aisarara zvakanaka uye ainyanya kushushikana achichengeta mwana mudiki pamwe chete nemukoma wake, mapurisa vakamubvunza kana akamborasika hasha panguva yaakanga asisagoni kuzvibata, sekuratidzwa kwemagwaro edare.
Young akaramba kuti akamborasika hasha, achiti aingotamba nemwana ane gore rimwe chete paakamurova, sezvakanyorwa mumagwaro ekusungwa. Akazotaurirawo mapurisa kuti akanga achangobva kusvuta mbanje nguva shoma asati arova mwana, achitaura mashoko akaita se, “Kana ndikasvuta, ndinonzwa kuda kutamba,” sezvakanyorwa mumagwaro acho.