Wednesday, May 14

Cecilia Mapepa Ava Mu Zimbabwean Hama Dzake Dzashaikwa Vafira Ku Mozambique Beira

Makadii,

Pana amai avo vanonzi Cecilia Mapepa vakabva ku Zimbabwe kare vakauya kuzogara ku Beira Mozambique. vakaroorwa ku Beira asi murume wavo akazoshaya padarika makore. Zvino ivo mai ava vakarwara vakashaya varikuvigwa mangwana musi wa 12 May 2025 ku Beira. 

 

 

 

Hapana hama yavo iripo, kana irikuziva nezverufu rwavo. Ivo vakabereka mwana mukomana ku beira mumwechete akura zvekuita nearly 40 years haazive kwakabva mai ku zimbabwe.

 

 

 

information iripo ndeyekuti zita ramai ndi Cecilia Mapepa, hanzvadzi yavo inonzi Christopher mapepa na Petros Mapepa vanonzi vanogara ku harare. Ivo mai ava vanonzi vakakurira ku Honde valley.

Fambisai information.

+258846413074#

  • Share: