Friday, April 26

Hatina Musoro WaTapiwa Makore Mufiriji Isu

MHURI inogara mumusha weDzivaresekwa 2, muguta reHarare — iyo iri kupomerwa neimwe n’anga kuti ndiyo ine musoro wemwana wekwaMurehwa uyo akapondwa, mutumbi wake ndokuzowanikwa wakabviswa musoro, makumbo nemaoko — inoti hapana chainoziva nezvekufa kwemwana uyu.

Tapiwa Makore (Jnr) (7), anonzi akapondwa nevanhu vanosanganisira babamukuru vake Tapiwa Makore (Snr) vachibatsirana nemufudzi wavo wemombe, Tafadzwa Shamba.

Vaviri ava vakatomiswa mudare pamwechete nemumwe mudzimai ari kupomerwa zvakare munyaya iyi.

Kwayedza svondo rapera yakaburitsa nyaya yen’anga yechidzimai inobva kuMuchinjike, kwaMurehwa, iyo inoti iri kusvikirwa nemweya wemwana Tapiwa.

N’anga iyi inoti mweya wemwana uyu uri kutaura kuti watambura uye musoro wake uri mufiriji paimwe imba iri mumusha weDzivaresekwa 2

N’anga iyi inonzi svondo rapera yakazotorana nevemhuri yekwaMakore kwaMurehwa, ndokuenda paimba iyi kuDzivarasekwa asi hapana chakawanikwapo kusanganisira firiji yainzi ine musoro wemwana uyu.

Mai Getrude Chareka (41) avo vanogara panhamba 1938 mumugwagwa waGarikai, kuDzivarasekwa, vanotsinhira kuti zviri kunzi ivo nemurume wavo vane musoro wemwana uyu, izvo zvavari kurambisisa.

“Takashamiswa zvikuru svondo rakapera paseri apo takaona mapurisa achiuya pamba pedu vachiti vaida murume wangu, Wadzanai Mhembere (49). Mapurisa vaiti paiva nemashoko ekuti pane n’anga yaitaura kuti ndiye aiva nemusoro waTapiwa Makore (Jnr).

“N’anga iyi yaivapo nevamwe vanhu vakawanda. Murume wangu akabvunzurudzwa mumba medu mukasechwa kukashaikwa musoro wemwana uyu,” vanodaro Mai Chareka.

Mhuri iyi, iyo inobvawo kwaDandara, kwaMurehwa, inoti haizive kuti zvakatanga sei kuti vanzi vane musoro wemwana akapondwa uyu.

Mudzimai uyu — uyo airidza mhere paaiita hurukuro neKwayedza — anoti murume wake ari kupomerwa uyu anoita basa rekugadzira motokari uye aimboshanda kukambani yemarori uko akaburitswa basa mwedzi mitatu yakadarika.

“N’anga iri kutaura izvi hatiizive isu kunyange tichibva kwaMurehwa kwainobva uyewo kwakaitika nyaya yekupondwa kwemwana uyu. Tinototamburawo zvedu, handizivi kuti musoro wemwana uyu tingaudii isu. Pamba apa tinoroja, varidzi vacho havagare pano uye baba varidzi vemba vakashaika kare,” vanodaro Mai Chareka.

Imba inonzi ine musoro wemwana iyi ine dzimba ina uye mhuri iyi inoshandisa dzimba nhatu, imwe yechina iine midziyo yevaridzi vemba.

“Isu tinopinda chechi, mashoko ari kufambiswa aya kuedza kutisvibisa. Izvozvi vamwe vanhu vanotiziva vari kutitumira mashoko vachitibvunza kuti musoro wemwana takauisa kupi,” vanodaro Mai Chareka.

N’anga iri kutaura kuti inosvikirwa nemweya waTapiwa inonzi Mbuya Mamoyo kana kuti Cynthia Chikungwa (26) inobva kuMuchinjike kwaMurehwa.

Walter Chaparadza (35) anove murume wen’anga iyi anotsinhira nyaya yekuti mweya waTapiwa uri kusvika kumudzimai wake uchitaura kuti musoro wake uri kuDzivaresekwa uko wakaiswa mufiriji.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoyambira maporofita nen’anga dzechitsotsi kuti vasiyane netsika yekuda kutora mukana wekupondwa kwemwana uyu kuti vakuruke mhuri yake nenzira dzakasiyana kana kupumha vanhu vasina mhosva.

  • Share: