Wednesday, September 16

Hatina Musoro WaTapiwa Makore Mufiriji Isu

MHURI inogara mumusha weDzivaresekwa 2, muguta reHarare — iyo iri kupomerwa neimwe n’anga kuti ndiyo ine musoro wemwana wekwaMurehwa uyo akapondwa, mutumbi wake ndokuzowanikwa wakabviswa musoro, makumbo nemaoko — inoti hapana chainoziva nezvekufa kwemwana uyu.

Tapiwa Makore (Jnr) (7), anonzi akapondwa nevanhu vanosanganisira babamukuru vake Tapiwa Makore (Snr) vachibatsirana nemufudzi wavo wemombe, Tafadzwa Shamba.

Vaviri ava vakatomiswa mudare pamwechete nemumwe mudzimai ari kupomerwa zvakare munyaya iyi.

Kwayedza svondo rapera yakaburitsa nyaya yen’anga yechidzimai inobva kuMuchinjike, kwaMurehwa, iyo inoti iri kusvikirwa nemweya wemwana Tapiwa.

N’anga iyi inoti mweya wemwana uyu uri kutaura kuti watambura uye musoro wake uri mufiriji paimwe imba iri mumusha weDzivaresekwa 2

N’anga iyi inonzi svondo rapera yakazotorana nevemhuri yekwaMakore kwaMurehwa, ndokuenda paimba iyi kuDzivarasekwa asi hapana chakawanikwapo kusanganisira firiji yainzi ine musoro wemwana uyu.

Mai Getrude Chareka (41) avo vanogara panhamba 1938 mumugwagwa waGarikai, kuDzivarasekwa, vanotsinhira kuti zviri kunzi ivo nemurume wavo vane musoro wemwana uyu, izvo zvavari kurambisisa.

“Takashamiswa zvikuru svondo rakapera paseri apo takaona mapurisa achiuya pamba pedu vachiti vaida murume wangu, Wadzanai Mhembere (49). Mapurisa vaiti paiva nemashoko ekuti pane n’anga yaitaura kuti ndiye aiva nemusoro waTapiwa Makore (Jnr).

“N’anga iyi yaivapo nevamwe vanhu vakawanda. Murume wangu akabvunzurudzwa mumba medu mukasechwa kukashaikwa musoro wemwana uyu,” vanodaro Mai Chareka.

Mhuri iyi, iyo inobvawo kwaDandara, kwaMurehwa, inoti haizive kuti zvakatanga sei kuti vanzi vane musoro wemwana akapondwa uyu.

Mudzimai uyu — uyo airidza mhere paaiita hurukuro neKwayedza — anoti murume wake ari kupomerwa uyu anoita basa rekugadzira motokari uye aimboshanda kukambani yemarori uko akaburitswa basa mwedzi mitatu yakadarika.

“N’anga iri kutaura izvi hatiizive isu kunyange tichibva kwaMurehwa kwainobva uyewo kwakaitika nyaya yekupondwa kwemwana uyu. Tinototamburawo zvedu, handizivi kuti musoro wemwana uyu tingaudii isu. Pamba apa tinoroja, varidzi vacho havagare pano uye baba varidzi vemba vakashaika kare,” vanodaro Mai Chareka.

Imba inonzi ine musoro wemwana iyi ine dzimba ina uye mhuri iyi inoshandisa dzimba nhatu, imwe yechina iine midziyo yevaridzi vemba.

“Isu tinopinda chechi, mashoko ari kufambiswa aya kuedza kutisvibisa. Izvozvi vamwe vanhu vanotiziva vari kutitumira mashoko vachitibvunza kuti musoro wemwana takauisa kupi,” vanodaro Mai Chareka.

N’anga iri kutaura kuti inosvikirwa nemweya waTapiwa inonzi Mbuya Mamoyo kana kuti Cynthia Chikungwa (26) inobva kuMuchinjike kwaMurehwa.

Walter Chaparadza (35) anove murume wen’anga iyi anotsinhira nyaya yekuti mweya waTapiwa uri kusvika kumudzimai wake uchitaura kuti musoro wake uri kuDzivaresekwa uko wakaiswa mufiriji.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoyambira maporofita nen’anga dzechitsotsi kuti vasiyane netsika yekuda kutora mukana wekupondwa kwemwana uyu kuti vakuruke mhuri yake nenzira dzakasiyana kana kupumha vanhu vasina mhosva.

  • Share:

Info News

Best Online MBA Programs For Working Adults

An online MBA can help working adults build leadership skills, qualify for management roles, and increase career opportunities without leaving their current job. But not all programs are equal, so choosing the right one matters.

rnrn

The best online MBA programs are flexible, accredited, affordable, and respected by employers. Accreditation is one of the most important factors. It shows that the program meets academic quality standards.

rnrn

Working adults should look for programs that offer part-time options, evening coursework, recorded lectures, and flexible deadlines. A strong program should allow students to balance work, family, and school.

rnrn

Cost is also important. Tuition can vary widely. Before enrolling, compare tuition, fees, books, technology costs, and financial aid options. Some employers offer tuition reimbursement, which can reduce out-of-pocket expenses.

rnrn

Specializations can make an MBA more valuable. Popular concentrations include finance, marketing, healthcare management, business analytics, cybersecurity, human resources, and entrepreneurship.

rnrn

Career support is another factor. A good online MBA program may offer resume help, networking events, alumni connections, career coaching, and internship opportunities.

rnrn

Students should also consider program length. Some online MBA programs can be completed in one year, while others take two to three years part-time.

rnrn

An online MBA may be worth it if it helps you move into leadership, increase earning potential, change careers, or build business knowledge. However, the return on investment depends on the program cost, your industry, and your career goals.

rnrn

Before choosing a program, ask whether it is accredited, how flexible it is, what support is available, and whether graduates are successful.

rnrn

A strong online MBA can be a smart investment for working adults who want career growth without putting their lives on hold.

rn

Health, Legal & Education Insights

Taking care of your future starts with the right decisions in health and legal planning. Compare top health insurance plans, explore affordable medical coverage options, and learn about mental health services that support your well-being. Many individuals are also investing in online degree programs, professional certifications, and career development courses to increase their earning potential and job security.

rnrn

It’s equally important to protect yourself legally by seeking expert legal advice, understanding personal injury claims, and exploring accident compensation options if needed. Whether you’re looking into student loans, debt consolidation programs, or reliable legal consultation services, making informed choices today can lead to a more secure and successful future.

rn