Saturday, July 27

Mai TT Vajamuka Maguru Akatsva Ayo Harizi Gambi Rangu Tinashe Maphosa & Ketina Vaka Edita Mapikicha

Pandakatumirwa maphotoz ndakashama ndakavhunduka ndokutarisa zvaari ndakavhunduka ndokuzvitarisa ndokushamiswa kwazvo. Ndokuzoona video yemunhu arikutamba nesikarudzi yakaora pasina chiso achinzi ndini zvekare ndakatora nguva kuzvitarisa ndokushamiswa zvekare kuti nekugeza kwese kwandoita ndingaita tsvina yakadaro? Ndokuona kuti kwakuwedzera salt kuti zvinyatsondibaya. 
Mapicture andinoziva ndeayo andakatorwa video na Tinashe maphosa ayo aatora akaedita to feed his ego akatumira Ketty Masomera. kuita kurembedza mazamu nephoto edit nekuita kurova hake backyard yangu neiron. Hongu zvinonyadzisa asi kamawaneyi after??  Blackmail yemanudes ndakaitangwa kare ndosaka ndakaramba ndichitokonya kuti buritsa so I can be free . Mabuditsa zvese nekuwedzerera asi chokwadi mochiziva henyu kuti body yangu yakanaka. Uyezve chinhu chamakaposta handi changu maphoto amaedita inguva yandaitaura newe ndichigeza nekuti nguva yacho waive Murume wangu ende ndaisafunga uchaita zvawaita. Asika chawagona chaicho hapana wangowedzera mhosva pamusoro pemhosva yawakasiya wapara kare. Kana urimurume chaiye unodzoka paground kwete revenge porn yaurikuita. Waombererwa maoko asika magumo acho uchamaona. 
Ruregerero kune vese vawona zvinhu zvinosemesa kudaro nevese vanondisapota. 
Regai vaite zvese zvavanofunga vanogona kuita Nekuti spiritualy chaiyo vanditadza regai vabate nyama ndoyavanokwanisa. 
Naizvozvo ndinokuzivisayi kuti ndiripo ende handina kwandirikuenda, regai tione magumo azvo. Ndanyora shona kuti munyatsonzwisisa kuti kumagumo kune nyaya. 
Zvese izvi hazvitadzise zuva kubuda kana mvura kunaya.  Vese varikufona nekuita check on me maitabasa I’m ok . Vese variknditumirazve maphotoz ayo ndamaona maitabasa. Handina kurara nevanhu pafon pangu nanhasi handisati ndarara. Ngatimirireyi tione mapena acho.

Mai T s Diaries.
 

  • Share: