Wednesday, April 24

Mai TT Vokumbira Reregerero Kune MaZimbabweans Ariku England Avakatuka Kuti Vanogeza Chembere & MaRefugee

Kune mafans angu eku England ndakanzwa nhau yevamwe vasiri kufara nemuromo wandakanzi ndakataura 3 years ago pandakaenda kuEngland panguva yaZizo. Mufunge ,ndichiita live pane munhu akataura kuti ndakutsvaga Asylum nenhau yezvandakange ndaitwa naZizo saka ndakuda kushandisa nhau iyi kuita refugee.

Mufunge hazvina kundiitira zvakanaka ndakamupindurawo kuti handina chido chekugara muUk kunge iye ngaazive zvekuita basa rake rekuchengeta chembere yake. Nyaya iyi yaive yakananga munhu iyeye asi ndakazonzwa ainfluencer vamwe zvikanzi tanzi tinokwesha chembere 🤔. Nguva iyoyo vanhu vakapopota ndikanyorerwa tsamba nechimwe chikwata vachiti atuka maHealth workers asi hondo iyi yaive yakanangana nemunhu uyu ega. Zvisineyi handina kumiswa kupinda muUk ndakadzoka Zimbabwe ndikakumbira ruregerero zvikapostwa kuZimbo live kwese. Ndikati nhau yapera.

Ndaona zvekare munhu uya asimudzira zvekare kuti arikuuyireyi kuno kwaakatuka vanhu asi chokwadi arikuchiziva kuti ndiye akanditi ndirikuda kuita refugee kuEngland .

Mufunge ndikatarisa fan base rangu vanhu vazhinji ndevekuEngland and there s no way I can disrespect them. Ma customer angu chaio ndeekuEngland even madzimai mazhinji andinotamba nawo mikando vane dzimba dzinotyisa muno ndevekuEngland . So why would I insult them ?? Ndoziva ndine vamwe vanotenga havo beef risiri ravo ende handingavachinje asi chokwadi chaicho handina kureva imimi panguva iyoyo kana murikufeela kuti ndaireva imimi ruregerero kwamuri mose .

Kana musirikuuya kuEvent I totally understand asi musachengete chigumbu ichochi chemakore akapera.

Kune avo 100 vatenga matickets so far ndinokutendai chose ne support iyoyi Mwari akuitireyi zvakanaka. Inini handizi munhu wehondo ndinopindura anenge andidenha dzimwe nguva kupindura kwangu kobva kwanzi kwakaipa asi mamweo mashoko andinenge ndatukwa anondirwadza sekuti ndirimunhuo. I’m a hardworking woman arikutotsvagao kusimuka kubva mumaproblems andakapinzwa ndichifunga kuti ndawana a genuine person izvo ndiSatan atumwa kuzondipedzisa. Mazuvano handina kana Simba rekutaura nevanhu ndirikushanda kuyedza kudzokera pandaive ndiri. Ikozvino magoals ese a2022 akadzorerwa kumashure nekuda kwemumweo munhu. Hapana chandichadzorera asi kutodikitira kuti ndiende mberi. Ndinotombofunga kufa asi ndinotarisa vana vangu kuti ndakavarera kusvika pavave ndozofira munhu nhasi? Haisi nyore kuti ndiuye pano ndichisekerera kushinga semunhukadzi. Saka wese anofunga kuti akatadzirwa neni usafe nechigumbu mumoyo changu unotadza kuenda kudenga. Varikuuya kuEvent ivo 100 ivavo nevamwe vachatenga matickets Thank you 🙏.

Varikuti vakatukwa neni Sorii henyu ❤️chero mukasauya I love you still ❤️❤️❤️❤️❤️.

God bless you all and put me in your prayers

  • Share: