Tuesday, April 16

Onamira Achirova Bonde Pamukadzi Wemukoma

MURUME wechidiki wekwaChireya, kuGokwe North, wekubvuma kuti akadanana naamaiguru mudzimai wamukoma wake, akazonopotera kudare ramambo weko mushure mekunge abatwa nerunyoka uye dumbu rake razvimba sezvinonzi mukadzi ane mimba.

Mambo Chireya, VaHenry Chidzivo (54), vanotsinhira nyaya yavanoti inopa chidzidzo kuvarume vane tsika yekudanana nemadzimai evanhu iyi.

“Tine nyaya yemurume wechidiki aigara nemukoma wake achimuchengeta achibikirwa naamaiguru uyo akazodanana naamaiguru ava vachifunga kuti hazvaizozivikanwa. Gure rakazobuda pachena muchinda uyu azvimba dumbu, haana kuziva kuti mukoma wake ainge akaisa ruzhowa rwerunyoka pamudzimai wake.

“Akazouya kudare kwangu aona kuti ava kufa ndokuzoshevedza mativi ose aya kudare kuti vatsanangure nyaya yavo,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoenderera mberi vachiti, “Misheck Mabhande (35), uyo aimbenge akaroora akarambana nemudzimai wake, aigara namukoma wake Ashel Mabhande (51) ndokuzotanga kudanana nemudzimai wamukoma — Shupi Madzivazvido (35) — vachibva vashinha vose. Akazotanga kuzvimba sikarudzi nedumbu mushure memazuva maviri,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoti chakashamisa murume uyu apo akanga achangobva kushereketa naamaiguru vake anonzi akagumburwa nechigutsa chaasina kuona akakuvara uye zvakazobuda pachena kwaakafamba kuti mushonga werunyoka ndiwo wakakonzera kugumburwa kwaakaitwa uku.

“Mushure menguva inoita svondo rimwechete, dumbu remurume uyu rakatanga kuzvimba zvekupotsa raputika. Akazomhanya kudare kwangu uko akasvikotsanangura nyaya yake kuti akarara naamaiguru vake, tikazoshevedza amaiguru ava Shupi Madzivazvido vakatsenga-tsenga mukanwa panyaya yekurara nababamudiki vake iyi. Ashel Mabhande akabvuma kuti ainge aisa mudzimai wake runyoka,” vanodaro Mambo Chireya.

Padare iri zvinonzi madzitezvara, vabereki vemudzimai uyu, vaivapo kuti vazozvinzwira nyaya iyi.

“Taona zvaramba murume uyu achirakidza kurwadziwa nekuda kwekuzvimba kwedumbu iri nenhengo dzakavandika, takazotsvaga chiremba wechivanhu anovawo sabhuku kuno mumusha waMadzura akatsanangurira mhuri iyi kuti chaiva chokwadi kuti mudzimai uyu ainge ashinha nababamudiki vake ava zvakazokonzera kuti abatwe nerunyoka.

“Chiremba uyu izvozvi ari kurapa murume uyu uye dumbu rake nedzimwe nhengo zvave kuserera,” vanodaro Mambo Chireya.

Mambo Chireya vanoti havana kuripisa Misheck naMadzivazvido padare ravo sezvo vakazongoti vaifanirwa kutaurirana semhuri.

“Misheck Mabhande paakazouya kudare redu anoti akanga apedza kuenda kumaporofita nekune dzimwe n’anga achiti akanga ava kurumwa nemajuru kunhengo dzake dzakavandika nemudumbu muchiita semunochekwa nebanga. Ashel Mabhandi akati haadi kuripwa nemunin’ina kana nemudzimai wake,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoenderera mberi vachiti, “Dai mudzimai uyu Shupi Madzivazvido akabvuma kuti aiva akaiswa runyoka uyewo kuti akarara nababamudiki taimupa mukana mudare wekuti ataure kuti anoda here kubviswa runyoka urwu kana kuti anoda kuramba ainarwo.”

  • Share: