Vasikana ndopandasvitswawo nemhuka inonzi murume apo.bp ne hiv zvese.ndiudzeiwo kuti ndichararamirei.baba ava vakarwara zvekurwara zviya ndikamuchengeta .mari yangu yemusika ndikamurapisa.ndakatozoziva kuti ane hiv asisagone kana kumuka.iyezvino akashaya achindisiya ndiri pakaoma.ndirikudemba kufa.rwnt ye 2 months haina kubhadharwa ndirikutobuda mangwana ndichaendepi nemwana.chikafu chaicho handina
Ndakasiya business kuti ndimurapise
Makambopererwa nepfungwa zvekuona kuti kufa kurinani.jakuna rent inenge ichidiwa.hakuna kuona vana vangu vachirara nenzara.izvozvi vakamuka ndichavapei.shuwa kuzouya kuzondipa chiwere ndakazvigarira mumba ndisona kana wandanersana naye.ndakazongozvipira friday
kunotestwa asi ndaitoziva kuti ndinacho.ndichisvika pachipatara bp yaive 182/112.manesi akamhanya kunditengera mabjns nemahewu vakandipa kapiritsi kekuti ndinwe bp idzike.pandakanogara panze handina kudya zvavainge vanditengera.ndakaisa mubag kuuya kuzopa vana.ndakanzi ndiende kuharare hoapital asi ndinoenda nei
Ndirikushungurudzika hangu