Tuesday, November 18

Veina Dumbu Anotsvaga Mushure Mekuponda Musikana kuMwenezi

Ndokumbirawo mundibatsire kuposter nyaya iri kundirwadza. Ndinemuzukuru wangu aipondwa neboyfriend yake, murume anonzi Veina Dumbu, uyo akabva atiza mushure mekuuraya mwana. Pari zvino, vari kumba vatori nechitunha mumba vachimirira mapurisa kuti vauye kuzotora nyaya iyi. Zvaitika izvi zviri kunzi zvakaitika kuMwenezi, kunzvimbo inonzi Kuchivingo, musi wa 17/11/2025, uye mhuri yave kurwadziwa zvikuru nekurasikirwa nemwana avaika. Tiri kukumbira rubatsiro rwenyu kuti nyaya iyi isvike kune veruzhinji kuitira kuti murume uyu abatwe nekukurumidza.

  • Share: