Saturday, April 20

Maponderwo Akaitwa mwana Wekwa Muruhwa Ndakatanga Ndamudhakisa Nekachasu

MUFUDZI wemombe Tafadzwa Shamba — uyo akasungwa nemhosva yekuponda mwana anonzi Tapiwa Makore (7) kubhuku raMakore, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, ndokucheka-cheka nhengo dzemuviri wake dzinosanganisira musoro, makumbo nemawoko — anoti akatanga adhakisa mwana uyu nekachasu asati amuuraya.

Shamba akataura izvi nemusi weChipiri svondo rino apo akaendwa naye nematikitivha kunzvimbo kwaanoti ndiko kwaakaparira mhosva iyi.

Anoti mushure mekuponda mwana uyu mugomo reko — achibatsirana nababamukuru vemwana — iye akatakura tsapo yepurasitiki nhema yaive nemusoro nemutumbi izvo zvaaive acheka, babamukuru vemushakabvu uye vanova sazita, Tapiwa Makore (Snr), akatakurawo chake chitsapo chaive nemakumbo nemaoko.
Tapiwa Makore (Snr) mukoma wababa vemwana wekupondwa uye akatosungwa ndokupinda mudare zvekare kutongwa kwemhosva yake yekuponda kuri kuenderera mberi ari mutirongo.

Shamba akatungamirira matikitivha kuenda kubindu kwaakatapa mwana uyu achiti akatumwa kuita izvi naTapiwa Makore (Snr).

Akazoenda nemapurisa aya kumba kwaTapiwa Makore (Snr) uko anoti ainge akavharira mwana uyu uye zuva rorereka akatanga amupa sadza nehove.

Shamba anga ari mufudzi wemombe waTapiwa Makore (Snr).
“Ndakaenda kuimba yekubikira yemapango ndokuunzira mukomana uyu sadza nehove dzakaomeswa. Ndakaenda pamusha paMai Katsande uko ndakanotenga marita mashanu edoro rekachasu.

“Ndakanwa doro iri kuitira kuti ndive nechivindi. Ndakariisa shuga ndokunwisa mukomana uyu, iye akanwa kusvikira adhakwa achiti mahewu ndokubva akotsira. Ndakazomukiira mumba ndisati ndadzokera kumba kwaMai Katsande kunonwa rimwe doro iye ndasiya ndamuvharira mumba,” anodaro.

Shamba anoti paakange achiri pamusha paKatsande, vamwe vemubhuku maanogara vakataura nezvekushaikwa kwemwana uyu asi iye akaramba anyerere. Tapiwa Makore (Snr) akatobatana nababa vemushakabvu uyu, VaMunyaradzi Makore, kumutsvaga asi vakazoregedza pave pakati pehusiku vasina kumuwana.

Shamba anoti akazosangana naTapiwa Makore (Snr) pakati pehusiku, ndokutakura mwana uyu vachienda naye mugomo riri pedyo uko vakanomupondera.

“Pave pakati pehusiku, takavhura gonhi, ini ndikatakura mukomana uyu, uyo akange achakabatwa nehope ndokuenda naye mugomo. Ndini ndainge ndakamubereka nejira.

“Tapiwa Makore (Snr) ainge akatakura mapanga nemabhegi epurasitiki. Tasvika pano (mugomo) ini ndakatsitsirira mukomana uyu pasi, ndokubva ndamucheka musoro nebanga rakapinza, apo babamukuru vake vainge vakavhenekera nemwenje wetochi.
“Ndakamucheka zvakare maoko nemakumbo, asi takaisa nhengo idzi mumabhegi epurasitiki akasiyana. Ini ndakazotakura raive nemutumbi nemusoro zvakachekwa, apo (Tapiwa) Makore (Snr) akatakura raive nemakumbo nemaoko,” anodaro Shamba achiratidza mapurisa ose maitiro avakaita apo ngetani dzainge dzakachena mumaoko ake.

Panzvimbo iyi, matikitivha akaona paine tsvina yemunhu inofungidzirwa kuti yakaitwa nemwana uyu paaipondwa.

Shamba akaudza matikitivha kuti akachenesa nzvimbo iyi achibvisa ropa ndokuzoipisa senzira yekuparadza umbowo.

Anotizve apo aifamba vachidzokera kumba kwababamukuru vemwana uyu, akanzwa kuremerwa nezvaainge akatakura zvikaita kuti asiye mutumbi pedyo nemusha waVaSummer Murwira.

“Chitsapo ichi chakange chorema uye imbwa dzaihukura zvakanyanya. Ndakachimbidza kudonhedza mutumbi uyu ndokubva ndaenda nemusoro bedzi.”

Shamba anoti zuva rakatevera akanosiya maoko nemakumbo pedyo nemamwe makuva apo mapurisa akange ave kuferefeta nyaya iyi zvakasimba.

Vagari vemunzvimbo iyi, avo vaive neshungu yekunzwa mafambiro enyaya iyi, vaiona Shamba achiita kuimba mapariro aakaita mhosva iyi vari nechekure.

  • Share: